Kana zvakakwidza EcoCash inomboita zvainoda and zvinoitika vanhu makavarairwa. Ndakatoita notice ka trend kuti inofarira kudhakwa mwedzi uchitanga or mwedzi paunenge wakupera.


Kubva makuseni anhasi iri kuita drama rekuti ukabaya *151# ne *153# ikupa ma error messages. Same ne App rayo rikuita zvima error futi. Kana munhu wanga uchitemba neEcoCash chete nhasi haa kuwacha kwega kwega.
Zvinenge zvichitoda kuti ugare une imwe mari inenge iri kune vamwe anana Omari,Innbucks, mabhanka etc. Let’s hope kuti vanosota dambudziko iri soon sekutaura kwayaiita mumastreets.
IMPORTANT UPDATE! pic.twitter.com/TT9LB48b62
— EcoCash Zimbabwe (@EcoCashZW) October 5, 2025