So ndaimboibhiga SmartBiz ye Econet ikazosvika pakuita kuti ndimborongedza line. The SmartBiz experience was not SmartBizing anymore. Internet connection would be terrible everyday. Ichiita zvainoda ma on and off payadira anytime. One minute it will be okay , next minute it’s slow, next complete zero Internet.

Husiku somewhere between 5pm to 11pm yaindionesa moto ichishupa. Zvekuti the browsing experience will be terrible. Ndichingofilliswa zvima forms kahobho hobho to no avail. Ndikatombosvika pakublokwa nevamiriri ve Econet vanga vatoona kuti ndanga ndakunyanya kunetsa.

Ndakasvikawo pakuneta unenge wakuita kunge ukunetsa vanhu. So l have moved on ku Telone Fibre ne Telone Blaze. Line re Smartbiz riri mu drawer. Kana zvinhu zvakanaka zvinoita deserve kupembedzwa.

Ndane less headache pamasai sai. Telone Fibre inogona kudzima network ka1 pamwedzi kana kusatombodonha at all. Pakaitika fault vanokurumidza kuita solve dambudziko racho.

Ndiri kunyatsoita stream zvandoda bho pasina kana ma scratches matywiki tywiki. Pasina zve buffering loading loading neku freezer freezer. Anana Instagram, Tiktok etc vakunyatsovhura zvakanaka.

Customer care yavo ine rudo nevanhu unonyatsonzwa kuti uyu munhu akuda kukubatsira dambudziko rako. Kumwe uko unenge wakutoita kunge ukunetsa vanhu. Pane kwandakatomboudzwa kunzi kana maona zve network yedu isingakuitirei bayai henyu kumwe. I guess ndakaita good choice ndikabaya ku TelOne.

Magetsi akabaya network ikuramba iriko chako munhu kutsvaga backup power yekuita power router rako chete. Backup power ndinayo ye solar so apa ndiri covered.

Magig ako munhu ukanyatsomabata bho anofamba mushe mushe haakurumidze kupera sezvinomboita kumwe uko. Unonyatsoona kuti mari yangu yandabhadhara iri kushanda mushe.

Ma speeds andave kuita enjoy ave super fast vakawedzera ma speeds ne variety yema packages to choose from ane ma prices ari reasonable. Ooh ne FUP iri pa 3 Terabytes ku Telone.

I hope kuti masai sai avo acharamba akadai vanhu ve Telone. Vakangobhaiza chete munondiona ndichidzoka ndichipopota ku blog rangu rekupenga iri. Haa ndave stress free mazuvaano handione ndichidzoka ku SmartBiz anytime soon.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *