Hazvisi zvekuita rely ne one social media platform. Hantie mukuona kuti nezuro Facebook, Instagram ne Threads zvakambobheuka nezuro. Zvoda kuti munhu uveko kwese just in case.

Vanhu nezuro vanga vazara mastreets eTwirra vachida kuita confirm kuti zveshuwa yadhinguka here. Ndakatomboita stress ndaona ichiti log in session expired. Ndanga ndakutofunga kuti ndavharirwa panze.

Mamwe ma sources ana TechCrunch etc aiiti anana Gmail, YouTube vakabheukawo same day. Yaa panga pakaipa. Zvekubheuka bheuka zvovhiringidza zvakawanda izvi.

Even nekumasai sai futi hazvisi zvekuita rely ne one network. Econet nhasi chaiye ikutoshupa masai sai abheuka zvekutoti yatotumira ma messages kuti vanhu vagare vaziva kuti pakaipa.

Ndatombozama kuda kuita an Ecocash transaction zvikaramba ndabva ndasiyana nazvo hameno zvanga zvichingoita network yavo. Ma USSD codes avo akushupa. Even 143 yavo yanga ichitojamuka ichingonyora kuti null null. I hope kuti vachazvigadzirisa soon.

Saka haa ukaita rely nechinhu one unochema zvoda kuti ubate kwakawanda usazonyanye kuchema chema munhu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *