Mazuvaano it seems kuti TelOne inenge yarongeka pakuita apply for ma services ayo. Hakusisina zviya zvekufilla zvimwe zvimapepa zvaibhowa. Zvekuti waiti wazvifilla then wozomirira kuwana service yauri kuda after some weeks, months kana kutoishaya futi ha ha.

Ndakangobaya pa website yavo iyi https://getservice.telone.co.zw. Ndobva nda clicker pakanzi Apply Now. Then created an Onboarding account. After ndadaro logged in nema details andashandisa kuita create account.

Soriyi ndakumbochinja matauriro pamwe zvingabatsire vachazoda kujoinawo TelOne.

Kana zvadaro paunoita log in munhu pa https://getservice.telone.co.zw, ukaenda pa dashboard unoona pane ma options six akanzi client details, upload documents, service application, manage applications, update username ne change password. Zviri pamufananidzo uri pazasi apa.

Pa first option ye client details kungoisa ma details ako ezita, number dzechitupa, address yekwaunogara munhu, foni number dzako. Wobva waita submit.

Wobva wabaya pa second option yekuita upload madocuments. Ndopaunoita submit clear picture yechitupa chako or certified copy yechitupa ne proof of residence.

Pa proof of residence vanoda document riri in PDF form. So kungotora pic re utility bill rako, chipepa chemvura magetsi etc. Then wotsvaga ka App kanoita convert pic to pdf file. Twakazara ku playstore or Apple App store uko.

After wadaro wobva waenda pa third option service applications. Ndopaunosarudza service yauri kuda, region yauri kuda service yacho ne Physical address yekuri kudiwa service yauri kuda. Ini ndakasarudza yakanzi Blaze LTE, pa region ndikaisa Harare walla and clicked submit. Then you wait for ma sms updates.

Then kana wakuda kuona kuti zvawaita apply zvikufamba sei unobaya pakanzi manage applications.

So ndaka aplaya for Blaze LTE musiwa 28 Chikunguru(July). Then musiwa 29 Chikunguru received an sms yaiti ma details angu have been verified. Vanombotanga vaona kuti zvaitwa submit zvese zviri bho here.

Then they check kuti service yawaita apply iriko here kunzvimbo yauri kuiitira apply service yavo. Kana iriko you will receive imwe sms yekuti chibaya kunoita payment. Like zvandakaitwa, message yakapindira 31July.

My nearest TelOne shop yanga iri yepa Ruwa. Ndakabva ndabayako ndikanotenga line pondo plus bundle re 30usd. So in total ndakapondwa 32usd. Havakupe line rega vanoti tenga ne data bundle. In this case wese akuda line aibhadhariswa 32usd. Bundle re 30usd rinenge rine 160Gig dze data. Aya achiri ma old data packages kune mamwe manyowani akuuya 5 August.

Chandafarira line iri ndechekuti harisi geo locked. Rinoshanda anywhere as long area yandashanya ine LTE service yavo ndinenge ndiri covered. Yaa ndaneta neku typa. Ndichazodzoka ndichitaura my experience ne Blaze LTE ye TelOne chii chii.

 

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *