by Tudzaa
NRZ Twitter (mastreets ekughetto) nezuro yaingove hwerere hwerere mumastreets eTwirra. Handisati ndamboona hondo yakawandisa kudaro pazuva rimwe chete. 28 Kukadzi 2024 zuva iri handife ndakarikanganwa. Munhu waingoti ukangocheuka uku woona vanhu vachibatana kwiyo ukacheuka rimwe divi woona vamwe vakurwa futi.
Ini nekuda nyaya ndakasvika pamwe panga pane GPS(paipisa nyaya) ndikaona ndakablokwa nevanhu vacho vairwa. Ndakarwadziwa nekushamisika but hazvina kunditadzisa kuona drama rese raiitika ipapo. Ndozvakanakira kuita twuma backups.
It’s been hectic week rino mumastreets vanhu vakuita kunge vakadya nduru or mhiripiri. Coz hasha dzacho hadzisi dzega. Vamwe ndovakuti pamwe zviri kukonzereswa ne pay dzakapinda dziri nzungu hameno hameno.