Sekutaura kwandanga ndakamboita nezuro apa. Nhasi zvazadziswa zvanga zviri zveshuwa kuti yabura zvitsva. Ma packages acho akamira so.

PaBlaze 20usd munhu ukupihwa 75Gig

PaBlaze 25usd ukupihwa 150Gig

PaBlaze 50usd ukupihwa 500Gig

Blaze Unlimited rikuita 75usd

Blaze ndiyo iya inoshanda ne line raunoisa mufoni or muka router iri wireless.

Ku Telone Fibre kune ma unlimited packages e 40usd, 60usd, ne 90usd. Chikusiyana ma speeds. Ndakambotaura nezvayo kumashure uku kuti inofaya.

Ku ADSL kune bhanduru re 15usd uchipihwa 75GB ne 30usd uchipihwa unlimited. Iyi inofamba netambo dziya dzinenge dziri pamapoles.

Yaa apa TelOne yauuya kuipa zvichanakidza. Vanoda kuona zvizere motarisa mufananidzo uri pazasi apo. Anana Econet, Liquidhome etc vakutodedera so.

Vanoda kujoiner TelOne mobaya link iri https://getservice.telone.co.zw/. Create an account log in , fill in ma details stage by stage then woita apply service yauri kuda. Then Wait

 

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *