Hameno kuti ka technical glitch here or not. Manje chinenge chapostewa ku Twirra(Twitter yakunzi X mazuvaano) hachi dhilitike zvekumhanya. Chinombotora nguva chiriko.

Post yacho yanga yanga ine mabhanduru ane ma unlimited packages nemamwe ema Gigs anoti.

Blaze 20usd uchipihwa 75Gig

Blaze 25usd uchipihwa 150Gig

Blaze 50usd uchipihwa 500Gig

Blaze Unlimited richiita 75usd

Blaze ndiyo iya inoshanda ne line raunoisa mufoni or muka router iri wireless.

Ku Telone Fibre kwanga kune ma unlimited packages e 40usd, 60usd, ne 90usd . Chikusiyana ma speeds. Ndakambotaura nezvayo kumashure uku kuti inofaya.

Ku ADSL kwanga kune bhanduru re 15usd uchipihwa 75GB ne 30usd uchipihwa unlimited. Iyi inofamba netambo dziya dzinenge dziri pamapoles.

Kana iri shuwa haa zvinenge zvabhadhara. Anga achinzi akutanga musiwa 5 Nyamavhuvhu. Hameno pamwe ndakanganisa kuona. Asi dai zvikaita shuwa vambodhingurisa mamwe ma Telecoms achangamuke. Motozoomer mufananidzo uri pazasi apa kuti munyatsoona.

 

Update

Mabhanduru aye ave official.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *