Nhasi ndopakutanga kushanda mabhanduru ayo manyowani ayakabura mazuva apfuura aya. Ndanga ndakatotaimira kuona kuti ma speeds ayo achawedzera here. Yaa ishuwa ma speeds eTelOne Blaze ne TelOne fibre yayo zvawedzera.

Ndakambotaura nezve Telone Fibre kumashure uku ndichiti ikufaya apa yakufayisisa. TelOne Fibre ndiyo iya inenge ine tambo dzinosvika mudzimba. Then Telone Blaze ndiyo iya yetwuma sim cards twunoiswa mufoni, router etc iri wireless.

The feeling iri unexplainable ndanga ndisati ndamboshandisa masai sai anomhanya kudaiso. Ndanga ndajaira data cap yeSmartBiz 45 inenge iri pa 5mbps. Even ne TelOne yaiisa twuma data caps zvekuti mamwe ma packages aive nema speeds akaderera asingapfuure 20mbps.

I hope kuti zvicharamba zvakadaro apa TelOne yandigonera.
N.B maspeeds manyowani ayo akuita achi fluctuator zvekuti ndogona kuzodzoka neimwe update awedzera kupfuura apo.