Ichi chi surprise changokandwa vanhu takavarairwa. Muimbi Winky D atipakurira mimhanzi minyowani inoti iyo Pa Tonaz, Pabho, Zvatanga, Kudhakwa, Fake Love ne Siya.
Abva adonhedza mavhidhiyo maviri e Fake love ne Siya. Rimwe vhidhiyo rasotwa ne AI technology ikupisa mazuvaano yaa ma levels. Siya rikupisa riri pa number , then rimwe racho re Fake Love riri kupisa riri pa number 2 ku YouTube.

Pabho ino feature Bling 4 ndanga ndisina kumbozvitarisira kuti mukomana we HipHopu uyu achaita collabho ne VaWinky D. Aka munhu unongotanga kugutsirira musoro. Kakupisa kari pa number 5 ku YouTube.
Zvatanga yakabikwa inoita kurovesa majaivhi ikupisa iri pa number 4. Pane ma bars akapenga abuda apa.
Ndakachibata kuti dzvii but handisi keeper ini
Ndorwiswa handinete ndichasvika ini
Handina noise handisi speaker ini
Ndotaura zvazviri handina filter ini
Kudhakwa ikupisa iri pa number 6, Patonaz iri pa number 5. Vanoda kuzonzwa zvinyowani izvi munozvibata apa.